Ecclesiastes 5

Mira utye Mwari

1Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa.

2Usakurumidza nomuromo wako,
usakurumidza mumwoyo mako
kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari.
Mwari ari kudenga
uye iwe uri pasi,
saka mashoko ako ngaave mashoma.
3Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda
ndizvowo zvinoita kutaura kwebenzi kana pane mashoko mazhinji.
4Kana waita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuizadzisa. Iye haafariri mapenzi; zadzisa mhiko yako. 5Zviri nani kurega kupika pano kuita mhiko wozorega kuizadzisa. 6Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako? 7Kurota kuzhinji namashoko mazhinji hazvina maturo. Naizvozvo mira utye Mwari.

Upfumi hahuna maturo

8Kana ukaona murombo achidzvinyirirwa mudunhu uye achinyimwa kururamisirwa nekodzero, usashamiswa nezvinhu zvakadai; nokuti mumwe mukuru anotarirwa nomumwe ari pamusoro pake, uye pamusoro pavo vose pane vamwe vakavakurirawo. 9Zvinowanikwa kubva panyika zvinotorwa navose; iye mambo ane zvaanowana kubva kuminda.

10Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana;
ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana.
Naizvozviwo hazvina maturo.

11Nokuwanda kunoita pfuma,
ndiko kuwanda kunoitawo vanoidya.
Uye zvinobatsireiko kumuridzi wayo
kunze kwokungogutsa meso ake nayo?

12Hope dzomushandi dzakanaka,
hazvinei kuti adya zvishoma kana zvizhinji,
asi kuwanda kwezvinhu
zvomupfumi hakumuwanisi hope.
13Ndakaona chinhu chakaipisisa pasi pezuva:

pfuma inounganidzwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo,
14kana pfuma inorasika nokuda kwechinhu chakaipa chinomuwira,
kuti kana abereka mwana mukomana
anoshaya chaanomusiyira.
15Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake,
uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda.
Haana chaanotakura chinobva pabasa rake,
chaangaenda nacho muruoko rwake.
16Ichi zvakare chinhu chakaipa kwazvo:

Sokuuya kunoita munhu saizvozvowo anoenda,
uye chii chaangawana,
iye achishandira mhepo?
17Pamazuva ake ose anodyira murima,
nokudzungaira kukuru, kutambudzika uye nehasha.
18Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake. 19Pamusoro pezvo, Mwari paanopa munhu upi zvake mari nezvinhu, uye achiita kuti akwanise kuti afadzwe nazvo kuti agamuchire mugove wake uye kuti afadzwe nebasa rake, ichi chipo chinobva kuna Mwari. 20Haawanzofunga pamusoro poupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura zvinofadza mwoyo wake.

Copyright information for SnaBDSC